Matthew 7

Kutonga Vamwe

1“Usatonga kuti newewo urege kutongwa. 2Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

3“Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako? 4Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako? 5Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.

6“Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai.

Kumbirai, Tsvakai, Gogodzai

7“Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. 8Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.

9“Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe? 10Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka? 11Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira! 12Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.

Suo Rakamanikana neSuo Rakapamhama

13“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro. 14Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.

Muti noMuchero Wawo

15“Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza. 16Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato? 17Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa. 18Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka. 19Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto. 20Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.

21“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. 22Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ 23Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’

Muvaki Akachenjera noMuvaki Benzi

24“Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware. 25Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware. 26Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha. 27Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.”

28Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake, 29nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.

Copyright information for SnaBDSC